Psalms 149

1Rumbidzai Jehovha.

Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,
rumbidzo yake paungano yavatsvene.

2Israeri ngavafarire Muiti wavo;
vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo.
3Ngavarumbidze zita rake vachitamba,
uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira.
4Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake;
vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso.
5Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake,
uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo.

6Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo,
nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo,
7kuti vatsive pamusoro pendudzi,
uye varange marudzi avanhu,
8vasunge madzimambo avo nengetani,
namakurukota avo nezvisungo zvamatare,
9kuti vaite zvavakatongwa nazvo,
zvakanyorwa pamusoro pavo.
Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose.

Rumbidzai Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC